Mwaramu anobata mwana chibharo muCatandica

0


Por: John Chekwa
Mumwe murume uyo anoziwikanwa nezita rekuti Tarissai Chimbera, baba wevana vairi ano bata mwana mwaramu wake nherera iyo ine makore gumi nemairi ekuberekwa. Izvi zvinoitika muGuta re Catandica, muBarue District muprovincia yeManica, munguwa dzemanheru wemusi we Chipiri chino(5) mumwedzi uno waNdira gore rino ra 2016
Kubudikidza nemashoko emwana uyu achimhangara kuRadio Catandica anoti mhombwe iyi yakabudisa banca ndokutyityidzirwa kuti akaramba aizochekwa.
Zvakare mwana uyu anoenderera mberi achiti izvizvakaitika apo sisi wake mukadzi wemurume uyu akanga aendeswa kundobatira basa reuguard kuchengete imba yemuwakidzani.
Dzimwe dzehama dzemwana uyu dzataura kuRadio Catandica kuti ichokwadi mwana uyu akararwa nemurume uyu nechisimba.

Share.

Leave A Reply